UZUMBA: Ndiri Kudzingwa NaSabhuku Vachiti Havachagone Kugarisana Neni
HTML-код
- Опубликовано: 14 дек 2024
- By Bringing You News & Current Affairs Through Social Media, You Don’t Need To Wait For Your Grandchildren’s Questions To Remind You That You Should Have Paid More Attention To Current Events +263775964849
Mambo munogona kutonga,u are very clear pamatongero,sabhuku sei akapa vanhu panzvimbo pevamwe
Vana sabhuku vava kuzviita vana Mwari muma village umu asi kudenga kuna Mwari uku
Sabhuku uyu anehutsinye haana moyo 😢😢😢 moyo wake wakasviba chaiko ummm dai Mwari akuwanirai nyasha amai
This Chief is very good , fair and wise
Sabhuku imhata yemunhu Satan chaiye achingoti kusviba kunge pasi pegende nxaa unoda respect kuti uri Mwari here mbwa
Akomana jende ratadza chii apa kkkkkk
Taura hako imbwa yemunhu sabhuku ava
Welldone mambo Nyajina 👏sabhuku vanga vaita decision out of emotions. Ndafara ne judgement nekuti hofisi yehusabhuku ndiyo yakatadza kubva pakutanga
sabhuku vaida chiwoko muhomwe zvino mai ava havana saka vava kuita hutsinye
Zisabhuku benzi ,unoti pasi nderako,nderaMwari rabishi uri baba rudziii iwewe
Chief Nyajina munogona.
Sabhuku vaida kuita hutsinye avo.
Which is an acknowledgement kuyi munhu wake
Hakuna nzvimbo inonzi chimbosanogara pasina any agreement yanyorerwana pasi. Sabhuku vanenge vakapiwa mari neve kutown ava.
I proud soko Nyadawa hatigoni nemi❤ ndoo kuti Mambo
Yes mambo magona kutonga rinongoti kusvimba zisabhuku iri saka vakavadzika urikuda kuti vaendepi iwewe vakambovatambirireiko
Kuvaka hayisi nyore.Sabhuku ipai munhu pamunoziwa kuti apa haazobvi.musati mukawenga munhu Moda kushandisa hofisi yenyu kuwenga munhu nekuti munenge mune Simba kudarika rake.kudenga Kuna Mwari hama weee nerimwe zuva muchachema.
Masabhuku mazuvaano ave kurira .😢😢
Hamunyare here imi vanhu veUzumba kutongera chitororo vakambovapirei vachiziva kuty ndepevanhu saka voramba vachingovaka here vachiputsa Sabhuku maaMwari here imi muchafa muchitambura muda kukudzwa papi inga mabuda pachena kuty hamukwanise kugara navo saka mamuchirambei Mwari ngavanzwire tsitsi amai avo nemhuri yavo
Mambo kanamapa mutongo wekuti vagare saka sei murikuti ngavabve
Mambo ava vanogona ava .
Zvinofadza zvikuru
Zvamunoona mwari anosimudza marombe kubva muguruva. Amai ava vanogona kurangarirwa namwari vakasimudzwa kuenda padenga. Kuda kuti vavake kechingani munhu arikutambura
Sabhuku vanoda zvinhu zibenzi kamanii
Respect yeiko imi baba imika
Mitero ya Amai Sabhuku ari ku Collector
Sabhuku kana maiziva kuti munda wemunhu saka mari yemutero maiitorerei , sabhuku manzwa kuti mai avo vavekudzingwa nemuridzi wemunda saka makatorawo action ipi, Sabhuku magara musingachavadi mai avo
Sabhuku musaomesa moyo, you must lead with example, munhu anotadza but ipai munhu pokugara , hazvifadzi zvirikuitika izvi
Sabhuku kudenga kune nzvimbo yemunhu wese
Sabhuku aitambirirei mitero yaAmai ava ivo vasiri panzvimbo pavo chaipo...
Mambo vakadhakwa ava,amai ava varikutaura zviriclear
Sabhuku ngabviswe ane hudzvanyiriri wazhinji wari kutotya kumhangara zvawari kuitira ngechisabhuku icho apa chaidya mari yemutero nhasi woati ibvai
Sàbhuku murimutungamiriri wevanhu chingozvininipisai mwana atadza please
Itai mushe wakomana,kana iwo ma courts acho ,24 years munhu aripa stand moti yaiwe temporary,kutii manje ikoko.
Sabhuku iduzvi shit yemunhu, vakutoita kunge ndo ma Chief .
Sabhuku ndimi makava garisana ipapo. Muchiziva kuti munda we munhu. Vakavaka musha wavo. Saka veduwe mambo. Vovaka kangani vachidzingwa?
Sabhuku ndaona mahwanda mashoko magara hamuchada murandakadzi uyu dai musina kuvarega vachigara nhasi voendepi imi muri sabhuku
Sabhuku muroyi uyo
Mambo ava ndovatungamiriri maita mambo
Aaaa Bamboo munogona Mwari vakuitirei zvakaoma
Sabhuku vati vanoda kunyengererwa kupa munhu nzvimbo? That's upset.Mambo mukasiya masabhuku achirasika pakutonga vanhu zvakadai havasi humble. Saka kana munhu akanomhangara kuna Mambo yavamhosva ? That's dangerous
Mambo vakachenjera
Sabhuku vanenge vakakumbira beans akanyimwa
Vakadii kuti pavakabva pekutanga vakatsvagirwa pasina munhu.
Sabhuku semunhu mukuru ngaavatsvakire Munda musha vasaputsa
Munhu hadzinge akafa nguva yaremba
Haasi akaromba muroi
Mambo murikutadza kutonga. Sei mudare menyu makavapa judgement yekuti endai munogara pamusha penyu. Uye hakuna munhu anopihwa pekugara munhu achibhara mutero.. ivo vachiziva kuti inzvimbo yemunhu.
Mambo nhasi madadisa
I don't think Chiefs Nana Sabhuku should be distributing land in communal areas. They are abusing their powers. Chidofo chakanyanyaGvt only must be responsible for this function
Ndewe tsotsi iwe sabhuku nhubu waivapa mumunda mumunhu
Saka after 24 years moda kuti vaende kupi
Hutsinye chete kuvatongi avo sabhuku namambo wavo
Fuske iwe sabhuku vanyanya kukoshei
Variko vamwe asi varikutya Sabhuku avo vakaipa
Unoda kunyengetedzwa sei
Mambo magona
Sabhuku ipa munhu munda
Mambo mungasiya masabhuku ichipa vanhu pekugara muminda mevanhu sei ? That's incompetent
Chisabhuku ichi chinopenga chine hutsinye. Wakamboona munhu anonzi gara apa temporary wozobva. Saka musha wacho unouvaka sei? Unenge uchigara pai
Sabhuku imimi musaite senge ndimi makasika ivhu manzwa ! Hamunyari munhu mukuru akaro nei ?kuzvikudza kwese uko kuchapera .
Bvisai Sabhuku ava pachigaro. Musabatirira ivhu renyika harisi renyu. It’s not your personal property.
@12:18 I don’t think you can say dai vauya kwamuri “kuzokunyengetedzai” cos that’s not professionalism. I think kusunga Sabhuku kusungwa kwe the office you represent. This is not personal. That’s why Chief vabvunza mai ava kuti muri kusingisa ani? Another thing zivaiwo kuti especially madzimai akawanda havana ruzivo nezvematanho nekusatongodzidza chaiko. Saka kuti vazive protocols to follow ndokunge vatobetserwawo mafambiro ekuita. At least havana kuita genzva nemi as an individual but vasingisa office yakambovapa nzvimbo iyoyi. I don’t think it was clearly communicated that she is staying there for temps. Kana iyo temporary yacho why did you let them stay there for over 2 decades? Chokwadi chero ini I would’ve thought this is for the rest of my life.
Sabhuku ava vakatoipa muvillage ava
Sabhuku vakaipa ava
Haaa Mambo imi makangwarira zvakanaka. Panga pachaita njambanja naaSabhuku nhasi. But both parties mataura navo representing your office very well. Uyu sabhuku uyu dai ari mumwe adzidza kubata nyaya with professionalism not humbimbindonga hwaari kuratidza pano. Sabhuku is so heartless. Sabhuku nzvimbo munayo but you’re being selfish. Endai kuchikoro to learn leadership skills and some PR
Sabhuku you have a problem shuwa after 20 years moti handichakwanise kugara naye No
@15:58 Haaa imi Sabhuku I can tell you kuti makadero kunamai ava. Havapengi mai ava kukusungisai kwamambo nemuromo wenyu. Even in your statement you validated her claims kuti makati hamukwanisani kugara navo. Matova mehuturu and I think makapiwa mari neari kutora munda wacho. Don’t be emotional. Hasha ndedzei? Pese apa for the past 24 taking her rental money yet not going back to her kuti musarega kutsvaga pari permanent cos hapasi penyu. Or for the past 24 you could’ve allocated them imwe nzvimbo isina mutauro. Kuvaka kunodzimba so I understand her cries kuti achativakira ndiyani? Pada mari havachina. Ngativei vanhu and treat others as such.
Sabhuku hauna order unopa munhu pane munhu sei hauzivi nzvimbo yako here ,uyu ivhu ramuno netsera vanhu ava nderai cz ndere mugari wemunyika wewses uye waitisa maloses kuna mai avo,Mambo murongedzeke nemasabhuku zvakaoma sei kuvaka kaviri uye waitorei mitero miviri pamusoro pemunda wemunhu,Sabhuku suppose to compunsate that lady he doesent deserve to be a Sabhuku who makes double problems