Ndinogara ndichitenda Mwari nguva dzose
HTML-код
- Опубликовано: 8 фев 2025
- Our Lady of the Wayside Mount Pleasant Parish
Incorporating St Johns Avondale (Emarald Hill)
Ndinogara Ndichitenda Mwari Nguva Dzose - A. Musiwa
M: Ndinogara ndichitenda Mwari nguva dzose
V: S/A Nokuda kwenyasha dzamakapiwa naye muna Yesu Kristo-o nokuti kana makabatana naKristo-o makapfumiswa naye pazvinhu zvose-e, pakutaura kwose, napakuziva kwo-o-se.
B Nokuda kwenyasha dzamakapiwa naye muna Yesu Kristo-o kana makabatana naKristo-o makapfumiswa naye pazvinhu zvose-e, pakutaura kwose, napakuziva kwo-o-se.
Madetembo:
1.Mashoko aKristo akagadzikana mamuri zvokuti hapana chipo chenyasha chamunoshaya.
2.Pakurindira kwamunoita kuonekwa pachena kwaTenzi wedu Yesu Kristo-o.
3.Iye achaku-chengetai zvakanaka-a kusvikira pakuguma-a kuti muzoonekwa musina-ha mhosva pazuva raTenzi wedu Yesu Kristo-o.
4.Mwari Baba vedu naTenzi Yesu Kristo ngavakupei-i nyasha norugare.
Chorus:
S/A Mwari wamakadaidzwa naye-e kuzowadzana nomwanakomana wake-he
Yesu Kristo Tenzi wedu ndiMwari wakatendeka, ndiMwari wakatendeka
B Mwari wamakadaidzwa naye kuzowadzana nomwanakomana wake-he Yesu Kristo Tenzi wedu ndiMwari wakatendeka, Tenzi wedu wakatendeka
Catholic shona hymn
Harare Zimbabwe Видеоклипы
👆Lyrics are in the description box👆
Proudly
Song inondinakidza zvangu iyi vakagona
Ndokuti Our Lady of the Wayside 😆